Kupusa kana Rudo?Murume Wekubata Mukadzi Nechikomba Anoti Hazvina Basa Toda Kutochata
29 January 2022
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Ruzhinji rwasara rwakaoma mate mumukanwa mushure mekunge mukoma Richard Zimbewe vati varegerera mukadzi wavo uyo wavakabata nechikomba nezuro

VaZimbewe vanoti ivo vanozvipa mhosva nekuti munguva yemumba yemukati vaisagutsa mudzimai wavo, vanotizve hurongwa hwemuchato huri kuindirira mberi sezvo munhu mufundisi Isaac Makomichi vakati kana vakaregererana uye kuchata vacharopafadzwa naMwari

Izvi zvashamisa hama neshamwari dzemurume uyo, vamwewo vanoti mukadzi uyu akapuwa mupfuhwira naMakomichi saka chero murume akatadzirwa zvinengei haanei nazvo.Ukuwo kunonzi mbavha,mahure nematsotsi eJoni ari kuita mudungwe kunotenga mishonga yemaraki kuna Makomichi

Vatendi vedzimwewo svondo vanoti baba ava vakatourawa pfungwa uye mufundisi wavo angadai asina kuvati regererai mukadzi wenyu

Runyerekupe runoti mukadzi uyu akabatikidzwa achidya muchero wechiomesa gotsi ari muimba yokubikira neshamwari yemurume wake uyo anonzi Rasta anoita zvekugadzira dzimotokari

“Ndini ndaisagutsa mudzimai wangu, ndinotokumbira andiregerere nekuti ndaihura ndozouya kumba ndakaneta.Ndiri kutoronga kuchata mwedzi unouya sezvakataurwa napapa,mukadzi wangu haisi mhosva yake nekuti aidawo kuzviyamura” vanodaro vaZimbewe

Ukowo mufundisi wavo anoti hapana chakaipa pakuregererana

“[10/01, 13:29] +263 77 746 9342: I’m proud of this men, he is true christians with a fair and pure heart.Mwari vanoda varume vanogona kuregerera. ” mashoko atapindurwa namufundisi Makomichi pachiitiko chakawira mwana wavo