Uchavhoterwa Nevawakapa MaUSD500- Masvingo Youdza Mavhenyengwa
27 December 2021
Spread the love

Morgan Zvemangororo

Mamiriro aita sarudzo dze province muMasvingo Zanu PF aminama, izvo zvabuda mushure mekunge Robson Mavhenyengwa,Paradza,Charles Munganasa vatuma chikwata chevatsigiri vavo kufamba vachipa vanhu ma USD500.

Vamwewo vebato reZanu PF vaudza zimeye.com kuti havachadi kuvhotera team zvazara Mavhenyengwa nekuda kwemari shoma yavakawana inova yakasiyana neyakapiwa vamwe usiku hwezuva rekisimusi. VaMavhenyengwa kunonzi vari kupiwa mari idzi neG40 kuti vabise “Team Chitova” (Chadzamira,Manyanga namai Chamisa) avo vari kunzi vanodiwa neruzhinji rwevanhu

Sarudzo idzi dzinonzi dziri kuitwa mangwana musi wa 28 Zvita.

Cde Kusasa Izolo vanoti Mavhenyengwa ari kukanganisa pakusiyanisa uwandu hwemari hwemari yaari kupa vanhu, asi vanoti ivo vanovhotera “Team Zvazara” nekuti vakawanawo USD500 yavo.

Mavhenyengwa ari ngaavhoterwe neivavo vaakapa mari, isu tovhotera Chadzamira; anodaro imwe nhengo yeZanu PF muMasvingo

Robson Mavhenyengwa