Zanu PF Councillor Steals Maize…
15 July 2024
Spread the love

Via Inbox from Gutu East Constituency (Ward 12)

Pane nhau irikuitika kuno kwaChitsa, Gutu East constituency ward 12 yandakaita tsvakurudzo ndikaona zvangu kuty ruzhinji rwakabirwa Zvavaifanira kuwana from social welfare , zvino zvaakutengeswa manje .

Pakambouya chibage last month che social welfare vanhu vaipiwa bucket nema gallon 2 per household asi pa allocation yakapiwa kuno kuward 12 pakasara chibage chakawandisa over 10 tonnes chikavharirwa muneimwe Room ku Chipatara uko, asi parizvino ndirikukatyamara kuty chibage chiya chakutakurwa nemabhara every morning chichiswa pa next door pangu chotengeswa @ $10 bucket .

Last week i was approached nemunhu arikutengesa Chibage akaty ndine Chibage 9 tonnes kana muine mari ndokupai nema $7 per bucket .

Saka zvinoratidza kuty vanhu ava vakabira vanhu Zvavaifanira kuwana & they are now selling Chibage chacho taking advantage yekuty pavarikutengesera Chibage paimbitengeswa Chibage chikapera vakungoita sekuty chichiripo asi ini mauyiro acho ndinomaona Every day ende chichiriko kwavachiviga.

Zvekuty pakauya vanhu vano Searcher vanobata chokwadi chakazara muneimwe Room pa Chipatara ipapa. Nhasi 05 July 2024 patotakurwa 4 ma 50 kgs kubva kuchipatara (Chitsa hospital) voswera vachitengesa. Vanhu ngavabudiswe mubepa ava akana kutsvaga CID rinouya kubata vanhu.

Pakambouya ka Lorry kadiki kakabva kwa Bhasera ke team ra MP Ganyiwa vakapiwa Chikaenda chakazara nechibage asi vanhu vekuno ku ward vakashaiwa.

Mbavha ngadzisungwe Taramba kutungamirirwa nembavha

Totanga pana councellor Rundare ndiye aripekutanga
arikutengesa Chibage nekuchichengeta Ndi Mushoriwa

Then Gapa secretary wavo,
Besah and mai Norbert ( chairlady wavo )
Ndovanhu variku front panyaya iyoyi

Mushoriwa anotosunda nebhara Every morning kana manheru. Ndinomuona nekuti ndogara pedyo vanochitengesa pashop close to Maketa.

Nhasi atosunda Tym yandamuka ndatoona chisvika ndobva vatanga kutopima.

Mukoma ipai majournalists emumasvingo huori uhwu hubude pachena vanhu vasashandisa Zanu PF kubira vanhu

Zimbabwe Republic Police – ZRP Corruption Watch