Morgan Zvemangororo
Mushandi wepedyo mubato reMDC-T uyo aramba kutaurwa zita rake,anoti madeko akapfuura havana kurara mushure mekunge vari mubako nen’anga mukuru wavo achibikwa uye kupfungaidzirwa makona ekudzinga minyama
Mwonzora uyo ari panguva yakaoma mushure mekurumwa nechokuchera choutengesi, anonzi akanotora muzvinamapipi anonzi Isaac Makomichi wekuMasvingo uyo anozikanwa nembiri yemashiripiti ekufambisa makomo uye kupa maraki zvese nemipfuhwira, kunonzi vakainda kubako uko kunonzi mutengesi uyu aipfungaidzirwa mafuta nemiti yemaraki kusvika machongwe orira.
Izvi zvichitevera mushure mekunge Thokozani Khupe orwisana naMwonzora, kunonzi ruzhinji rweMDC-T rwakati Khupe ndiye ave mutungamiri wavo.Ukuwo vanhu vainge vakaiswa naMwonzora kuti vakwikwidze pama by-elections vazhinji vacho vakanyora tsamba vachiramba kumiririra mupanduki uyu.
“Makomichi haasi Mwari uye hatichadi kushandiswa nemunhu wataiona achipiwa mari dzeZanu PF,ini ndaguma pano,handichadi zvaMwonzora nekuti mutengesi uye vanhu vakadai vanowanzofa rufu runorwadza” anodaro imwe nhengo ine chigaro chukuru muMDC-T.
Makomichi haana kutaura zvinonzwisisika, apo ati kugomo kwaaiva madeko haagoni kutiudza waaiva naye:
[21/01, 10:29] +263 77 746 9342: Who are you to ask me such questions? Is it a crime to go to a prayer mountain? Please stop sending me your silly questions..
Hatina kunzwawo divi raVaMwonzora panyaya iyi.