MDC Youth Assembly Statement On Violence Perpetrated By Zanu PF Members
23 January 2020
Spread the love

ZANU PF: Mazvikokota Vemhirizhonga!

23 Ndira 2020

Isu vebandiko revechidiki muMDC tinoshora chose kuita kwevechidiki vebato reZANU PF avo vakakonzera mhirizhonga nezuro munharaunda yeMbare muHarare zvichitevera gungano rakaitwa neMutungamiriri waVanhu VaNelson Chamisa mumusha uyu.

Zvinosuwisa kwazvo kuti mushure mukunge Mutungamiriri waVanhu, VaChamisa vapedza kuparura gwara richatorwa nenyika iro rinodaidzwa kuti Agenda 2020 kuedza kupedza kutambudzika munyika, nhundiramatsime dzebato ZANU PF dzakasara dzokonzeresa nyonga-nyonga mumusha weMatapi muMbare vachirova vese vanofungidzirwa kuti vatsigiri veMDC.

Nhubu idzi dzinonzi dzaive dzakapatira mabakatwa ayo anozikanwa achishandiswa nechikwata chenharadada dzanetsa munyika dzinodaidzwa nezita remadunhurirwa kuti MaShurugwi.

Kuita kwemhondi dzeZANU PF muMbare kunoburitsa pachena uye kutsigira pfungwa yekuti vapanduki vanetsa veMaShurugwi ibandiko rinoshandiswa nebato raVaEmmerson Mnangagwa kukonzera mvongamupopoto munyika.

Zvichakadaro vanoona nezvekukokera musangano mubandiko revechidiki muMDC, VaGodfrey Kurauone pamwe chete nemumiririri weMDC mudare reParamende muMbare VaStarman Chamisa vakamhanya nechimbi-chimbi kuedza kunodzimura mhirizhonga apo pavakanomhan’ara nyaya iyi kukamba yemapurisa emuMatapi.

Chimwe chanyanya kuti katyamadza ndechekuti mapurisa akasunga vatsigiri veMDC avo vakarohwa vachisiya nharadada dzeZANU PF dzakakonzera mhirizhonga.

Uyezve hatisi kufara nokuti gweta rinomiririra vakasungwa, VaMoses Mavhaire vanoti ivo vakanyimwa mukana wekuona vatsigiri vedu vari kupomerwa mhosva.

Isu semabato revechidiki muMDC hatisi kufara nekuita kwemapurisa avo vari kubudisa pachena kuti vanotema vakarerekera kubato rakaba sarudzo munyika reZANU PF.

Sekutaura kwakaita Mutungamiriri waVanhu VaNelson Chamisa, gore rino igore remasimba evanhu uye gutsaruzhinji nekudaro makata anoshura materu.

Stephen Sarkozy Chuma
Mutauriri Wevechidiki MuMDC